Proverbs 15

1Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,
asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.
2Rurimi rwowakachenjera runobudisa zivo,
asi muromo webenzi unodurura upenzi.

3Meso aJehovha ari pose pose,
achicherechedza vakaipa navakanaka.

4Rurimi runouyisa kuporesa ndirwo muti woupenyu,
asi rurimi runonyengera runopwanya mweya.

5Benzi rinoramba kurayira kwababa varo,
asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.

6Imba yowakarurama ine pfuma zhinji,
asi zvinowanikwa nowakaipa zvinomuunzira kutambudzika.

7Miromo yavakachenjera inokusha zivo;
asi mwoyo yamapenzi haidaro.

8Jehovha anovenga chibayiro chowakaipa,
asi munyengetero womunhu akarurama unomufadza.

9Jehovha anovenga nzira yeakaipa,
asi anoda vaya vanotevera kururama.

10Kurangwa kwakaomarara kwakamirira uyo anotsauka kubva panzira;
uyo anovenga kudzorwa achafa.

11Rufu nokuparadzwa zviri pachena pamberi paJehovha,
ko, kuzoti mwoyo yavanhu!

12Mudadi anovenga kudzorwa;
haangabvunzi vakachenjera.

13Mwoyo wakafara, unofadza chiso,
asi mwoyo une shungu unopwanya mweya.

14Mwoyo unonzvera unotsvaka ruzivo,
asi muromo webenzi unodya upenzi.

15Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa,
asi mwoyo unofara une mutambo nguva dzose.

16Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha,
pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.

17Zviri nani kuva nezvokudya zvomuriwo pane rudo,
pane kuva nemhuru yakakodzwa pane ruvengo.

18Munhu ane hasha anomutsa bopoto,
asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara.

19Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa,
asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru.

20Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro,
asi munhu benzi anozvidza mai vake.

21Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere,
asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama.

22Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano,
asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.

23Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka,
uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!

24Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro,
ichimuchengetedza kuti asaenda muguva.

25Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza,
asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba.

26Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa,
asi dzavakachena dzinomufadza.

27Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake,
asi anovenga fufuro achararama.

28Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo,
asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa.

29Jehovha ari kure neakaipa,
asi anonzwa munyengetero weakarurama.

30Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo,
uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa.

31Uyo anoteerera kutsiura
kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera.

32Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake,
asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa.

33Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,
uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.
Copyright information for SnaBDSC